Vanakomana vaBhera vaiva: Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vese vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.