Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 7:32-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.

33. Vanakomana vaJafireti vaiva: Pasaki, Bhimari naAshivhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.

34. Vanakomana vaShomeri vaiva: Ahi, Roga, Hubhai naAramu.

35. Vanakomana vomunun'una wake Heremu vaiva: Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.

36. Vanakomana vaZofa vaiva: Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira,

37. Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.

38. Vanakomana vaJeteri vaiva: Jefune, Pisipa naAra.

39. Vanakomana vaUra vaiva: Ara, Hanieri, naRizia.

40. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 7