Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:69-81 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

69. Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.

70. Uye kubva kurudzi rwehafu rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.

71. VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yorudzi rwehafu rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo:

72. kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati,

73. Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;

74. kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni,

75. Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;

76. uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKirataimi pamwe chete namafuro awo.

77. VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera: Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo;

78. kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza,

79. Kedhemoti neMefaati pamwe chete namafuro awo;

80. uye kubva kurudzi rwaGadhi vakagamuchira Ramoti muGireadhi, Mahanaimi,

81. Heshibhoni neJazeri pamwe chete namafuro awo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6