Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:67-75 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

67. Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri,

68. neJokimeami, neBheti Horoni,

69. Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.

70. Uye kubva kurudzi rwehafu rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.

71. VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yorudzi rwehafu rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo:

72. kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati,

73. Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;

74. kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni,

75. Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6