Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:63-71 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

63. Zvizvarwa zvaMerari, imba neimba zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni.

64. Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo.

65. Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita.

66. Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu.

67. Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri,

68. neJokimeami, neBheti Horoni,

69. Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.

70. Uye kubva kurudzi rwehafu rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.

71. VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yorudzi rwehafu rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo:

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6