Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:6-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uzi baba vaZerahia, Zerahia baba vaMerayoti,

7. Merayoti baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi,

8. Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAhimaazi,

9. Ahimaazi baba vaAzaria, Azaria baba vaJohanani,

10. Johanani baba vaAzaria (ndiye aibata basa somuprista mutemberi yakavakwa naSoromoni muJerusarema).

11. Azaria baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi.

12. Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaSharumi,

13. Sharumi baba vaHirikia, Hirikia baba vaAzaria,

14. Azaria baba vaSeraya uye Seraya baba vaJehozadhaki.

15. Jehozadhaki akadzingwa apo Jehovha akaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari.

16. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.

17. Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni: Ribhini naShimei.

18. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

19. Vanakomana vaMerari vaiva: Mairi naMushi. Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo:

20. VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake naZima mwanakomana wake,

21. Joa mwanakomana wake Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake naJaterai mwanakomana wake.

22. Zvizvarwa zvaKohati zvaiva: Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

23. Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

24. naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake.

25. Zvizvarwa zvaErikana zvaiva: Amasai, Ahimoti,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6