Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:48-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari.

49. Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nazvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.

50. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake

51. Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,

52. Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,

53. Zadhoki mwanakomana wake naAhimazi mwanakomana wake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6