Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:46-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri, x

47. mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.

48. Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari.

49. Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nazvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.

50. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake

51. Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,

52. Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,

53. Zadhoki mwanakomana wake naAhimazi mwanakomana wake.

54. Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).

55. Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza.

56. Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6