Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:41-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,

42. mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei,

43. mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi;

44. uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki,

45. mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia,

46. mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri, x

47. mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.

48. Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari.

49. Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nazvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.

50. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake

51. Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,

52. Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,

53. Zadhoki mwanakomana wake naAhimazi mwanakomana wake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6