Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:24-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake.

25. Zvizvarwa zvaErikana zvaiva: Amasai, Ahimoti,

26. Erikana mwanakomana wake Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake,

27. naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naSamueri mwanakomana wake,

28. Vanakomana vaSamueri vaiva: Joere dangwe rake naAbhija mwanakomana wake wechipiri.

29. Zvizvarwa zvaMerari zvaiva: Mari, Ribhini mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,

30. Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake naAsaya mwanakomana wake.

31. Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo.

32. Vaishumira nokuimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.

33. Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,

34. mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6