Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:23-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

24. naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake.

25. Zvizvarwa zvaErikana zvaiva: Amasai, Ahimoti,

26. Erikana mwanakomana wake Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake,

27. naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naSamueri mwanakomana wake,

28. Vanakomana vaSamueri vaiva: Joere dangwe rake naAbhija mwanakomana wake wechipiri.

29. Zvizvarwa zvaMerari zvaiva: Mari, Ribhini mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,

30. Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake naAsaya mwanakomana wake.

31. Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo.

32. Vaishumira nokuimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6