Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:11-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Azaria baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi.

12. Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaSharumi,

13. Sharumi baba vaHirikia, Hirikia baba vaAzaria,

14. Azaria baba vaSeraya uye Seraya baba vaJehozadhaki.

15. Jehozadhaki akadzingwa apo Jehovha akaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari.

16. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.

17. Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni: Ribhini naShimei.

18. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

19. Vanakomana vaMerari vaiva: Mairi naMushi. Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo:

20. VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake naZima mwanakomana wake,

21. Joa mwanakomana wake Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake naJaterai mwanakomana wake.

22. Zvizvarwa zvaKohati zvaiva: Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6