Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 5:2-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva yaJosefa.)

3. Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKarimi.

4. Zvizvarwa zvaJoere zvaiva: Shemaya mwanakomana wake,

5. naMika mwanakomana wake, naReaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake.

6. Uye naBheera mwanakomana wake uyo akatorwa akaiswa muutapwa naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Bheera akanga ari mutungamiri wavaRubheni.

7. Hama dzavo nedzimba dzavo dzakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo dzaiva: Jeyeri aiva Ishe, naZekaria uye

8. Bhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoere. Vakagara munzvimbo yaibva kuAroeri kusvikira kuNebho neBhaari Meoni.

9. Kumabvazuva vakatora nyika kusvikira pamuganhu wegwenga rinosvika kuRwizi Yufuratesi nokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda muGireadhi.

10. Panguva yokutonga kwaSauro vakarwa naHagiri vakavakunda vakagara mumatende avaHagiri mudunhu rose rokumabvazuva eGireadhi.

11. VaGadhi vakanga vakavakidzana navo muBhashani kusvikira kuSareka:

12. Joere ndiye aiva ishe, Shafami ari wechipiri, kuchizotevera Janai naShafati, muBhashani.

13. Hama dzavo, tichiverenga mhuri dzavo, dzaiva: Mikaeri, Meshurami, Shobha, Jorai, Jakani, Zia naEbheri, vanomwe pamwe chete.

14. Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJarowa, mwanakomana Gireadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi.

15. Ahi mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, ndiye aiva mukuru wemhuri yavo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 5