Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 4:28-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29. Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

30. Bhehieri, Horima, Zikiragi,

31. Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri naShaaraimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.

32. Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimini, Tokeni neAshani, maguta mashanu

33. nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vaichengeta zvinyorwa zvenhoroondo yavo.

34. Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia,

35. Joere, Jehu mwanakomana waAsieri,

36. uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,

37. naZiza mwanakomana waSifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.

38. Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo. Mhuri dzavo dzakakura kwazvo

39. uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro.

40. Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.

41. Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo.

42. Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 4