Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 3:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.

4. Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu

5. uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva: Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.

6. Kwaivawo naIbhari, Erisua, Erifereti

7. Noga, Nefegi, Jafia,

8. Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe.

9. Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 3