Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 3:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.

4. Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu

5. uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva: Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.

6. Kwaivawo naIbhari, Erisua, Erifereti

7. Noga, Nefegi, Jafia,

8. Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe.

9. Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo.

10. Mwanakomana waSoromoni ainzi Rehobhoamu, Abhija mwanakomana wake, Asa mwanakomana wake, Jehoshafati mwanakomana wake,

11. Jehoramu mwanakomana wake, Ahazia mwanakomana wake, Joashi mwanakomana wake,

12. Amazia mwanakomana wake, Azaria mwanakomana wake, Jotamu mwanakomana wake,

13. Ahazi mwanakomana wake, Hezekia mwanakomana wake, Manase mwanakomana wake,

14. Amani mwanakomana wake Josia mwanakomana wake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 3