Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 3:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni: Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri. Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri;

2. wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti,

3. wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.

4. Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu

5. uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva: Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.

6. Kwaivawo naIbhari, Erisua, Erifereti

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 3