Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 29:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”

6. Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda.

7. Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanuc namadhariki zviuru gumid egoridhe, matarenda zviuru gumie esirivha, matarenda zviuru gumi nezviseref endarira, namatarenda zviuru zanag esimbi.

8. Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni.

9. Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.

10. Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti: “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 29