Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 27:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

2. Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

3. Aiva chizvarwa chaPerezi nomukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga.

4. Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhavhidhi muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina.

5. Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

6. Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 27