Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 25:5-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.

6. Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo, mukuimba mutemberi yaJehovha, namakandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.

7. Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere ana vasere.

8. Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.

9. Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, vanakomana vake nehama dzake, gumi navaviri; wechipiri kuna Gedharia, iye nehama dzake navanakomana vake– gumi navaviri;

10. wechitatu kuna Zakari, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

11. wechina kuna Iziri, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

12. wechishanu kuna Netania, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

13. wechitanhatu kuna Bhukia, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 25