Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 23:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”

27. Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri anopfuura ipapo.

28. Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.

29. Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 23