Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 23:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.

23. Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.

24. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.

25. Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,

26. vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”

27. Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri anopfuura ipapo.

28. Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.

29. Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.

30. Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda nokurumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru

31. uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yokugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarairwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 23