Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 23:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Uye vanakomana vaShimei vaiva: Jahati, Ziza, Jeushi naBheria. Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.

11. Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.

12. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.

13. Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.

14. Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.

15. Vanakomana vaMozisi vaiva: Gerishomi naEriezeri.

16. Zvizvarwa zvaGerishomi: Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.

17. Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva: Rahabhia ndiye aiva wokutanga. Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rahabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.

18. Vanakomana vaIzhari: Sheromiti ndiye aiva wokutanga.

19. Vanakomana vaHebhuroni: Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.

20. Vanakomana vaUzieri: Mika wokutanga naIshia wechipiri.

21. Vanakomana vaMerari, vaiva: Mari naMushi. Vanakomana vaMari vaiva: Ereazari naKishi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 23