Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 23:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita mwanakomana wake Soromoni mambo pamusoro peIsraeri.

2. Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi.

3. VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere.

4. Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi.

5. Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”

6. Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.

7. VokwaGerishoni vaiva: Radhani naShimai.

8. Vanakomana vaRudhani vaiva: Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.

9. Vanakomana vaShimei vaiva: Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.

10. Uye vanakomana vaShimei vaiva: Jahati, Ziza, Jeushi naBheria. Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.

11. Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 23