Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 22:11-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. “Zvino mwanakomana wangu, Jehovha ave newe, uye uve nokubudirira uye uvake imba yaJehovha Mwari wako sezvaakati uchaita.

12. Jehovha ngaakupe uchenjeri nokunzwisisa paachakuisa pakutonga pamusoro peIsraeri, kuitira kuti uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.

13. Ipapo uchava nokubudirira kana ukachenjerera kuchengetedza mitemo nemirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri. Iva nesimba utsunge mwoyo. Usatya uye usaora mwoyo.’

14. “Ndakatambura zvikuru kwazvo kuti ndipe kutemberi yaJehovha matarenda zviuru zanaa zvegoridhe, matarenda miriyonib esirivha, ndarira nesimbi yakawanda zvokuti haangayerwe pachikero, namatanda namatombo. Uye unogona kuwedzera pamusoro pazvo.

15. Une varume vebasa vazhinji kwazvo: vacheki vamatombo, vavezi vamatanda navamwe varume vane unyanzvi mumabasa ose akasiyanasiyana

16. mune zvegoridhe nesirivha, ndarira nesimbi navarume voumhizha vasingaverengeki. Zvino chitanga basa uye Jehovha ave newe.”

17. Ipapo Dhavhidhi akarayira vatungamiri vose veIsraeri kuti vabatsire mwanakomana wake Soromoni.

18. Akati kwavari, “Ko, Jehovha Mwari wenyu haasi nemi here? Uye haana kukupai zororo kumativi ose here? Nokuti akaisa vagari venyika iyi muruoko rwangu, uye nyika iri pasi paJehovha uye nepasi pavanhu vake.

19. Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 22