Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri. Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.”