Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu.

10. Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNashoni mutungamiri wavanhu veJudha.

11. Nashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi,

12. Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese.

13. Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea,

14. wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai,

15. wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.

16. Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2