Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:8-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.

9. Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu.

10. Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNashoni mutungamiri wavanhu veJudha.

11. Nashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi,

12. Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese.

13. Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea,

14. wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai,

15. wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.

16. Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.

17. Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.

18. Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni.

19. Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.

20. Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.

21. Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2