53. uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.
54. Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,
55. uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.