Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:46-55 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi.

47. Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.

48. Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai vaShebheri naTirana.

49. Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.

50. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi,

51. Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.

52. Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati,

53. uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.

54. Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,

55. uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2