Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:42-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

42. Vanakomana vaKarebhu munun'una waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.

43. Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.

44. Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai.

45. Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.

46. Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi.

47. Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2