39. Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,
40. Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,
41. Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama.
42. Vanakomana vaKarebhu munun'una waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.
43. Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.
44. Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai.
45. Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.