Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:34-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara.

35. Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.

36. Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabadhi,

37. Zabadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi,

38. Obedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria,

39. Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,

40. Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,

41. Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama.

42. Vanakomana vaKarebhu munun'una waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2