Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:32-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Vanakomana vaJadha, munun'una waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.

33. Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvorudzi zvaJerameeri.

34. Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara.

35. Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.

36. Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabadhi,

37. Zabadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi,

38. Obedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria,

39. Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,

40. Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2