Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.

22. Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.

23. Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenoti namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu. Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.

24. Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.

25. Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.

26. Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake ainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.

27. Vanakomana vaRami dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.

28. Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.

29. Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.

30. Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.

31. Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2