Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 2:16-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.

17. Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.

18. Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni.

19. Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.

20. Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.

21. Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.

22. Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.

23. Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenoti namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu. Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.

24. Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.

25. Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 2