Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 15:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende.

2. Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.”

3. Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira.

4. Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:

5. kubva kuzvizvarwa zvaKohati,Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;

6. kubva kuzvizvarwa zvaMerari,Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;

7. kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni,Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;

8. kubva kuzvizvarwa zvaErizafani,Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;

9. kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni,Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;

10. kubva kuzvizvarwa zvaUzieri,Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 15