Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 1:34-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Abhurahama aiva baba vaIsaka. Vanakomana vaIsaka vaiva: Esau naIsraeri.

35. Vanakomana vaSeiri vaiva: Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.

36. Vana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefa, Gatami, naKenazi; naTimina, vakabereka Amareki.

37. Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza.

38. Vanakomana vaSeiri vaiva: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani.

39. Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani.

40. Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Aya naAna.

41. Mwanakomana waAna ainzi Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.

42. Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani.

43. Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.

44. Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

45. Jobhabhu paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.

46. Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.

47. Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

48. Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo.

49. Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhoni akamutevera paumambo.

50. Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri mwanasikana waMezahabhi.

51. Hadhadhi akafawo. Madzishe eEdhomu aiva: Timina, Arivha, Jeteti

52. Ohoribhama, Era, Pinoni,

53. Kenazi, Temani, Mibhizari,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 1