Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:39-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Akaisa tafura shanu zasi kwetemberi, shanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.

40. Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi.Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:

41. mbiru mbiri;misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru;mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;

42. matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);

43. tafura gumi namadhishi adzo gumi;

44. Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

45. poto, foshoro namadhishi.Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.

46. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7