39. Akaisa tafura shanu zasi kwetemberi, shanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.
40. Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi.Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:
41. mbiru mbiri;misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru;mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;
42. matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);
43. tafura gumi namadhishi adzo gumi;
44. Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;
45. poto, foshoro namadhishi.Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.
46. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.