Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:26-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhun, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zvivirio.

27. Akaitawo tafura dzaiva namavhiri endarira gumi; imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti manap, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwayo kuri makubhiti matatuq.

28. Tafura idzi dzakanga dzakaitwa seizvi: pakati pembiru dzetafura paiva namagwatidziro mumativi.

29. Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira.

30. Tafura imwe neimwe yaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe.

31. Nechomukati metafura maiva negomba rakanga riri redenderedzwa rakadzika zvinosvika kubhiti rimwe cheter. Gomba iri rakanga riri redenderedzwa, uye nechigadziko charo raikwana kubhiti nehafus. Pamuromo paro paiva nezvinyorwa. Magwatidziro akanga ane mativi akaenzana, asiri edenderedzwa.

32. Mavhiri mana aiva pasi pamagwatidziro, uye maekesero amavhiri aiva akabatana netafura. Vhiri rimwe nerimwe raiva noupamhi hwekubhiti rimwe chete nehafu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7