Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:19-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Misoro yaiva pamusoro pembiru pabiravira yakanga yakaumbwa samaruva amahapa, yakareba makubhiti manak pakukwirira kwayo.

20. Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza.

21. Akamisa mbiru pabiravira retemberi. Mbiru yezasi akaitumidza zita rokuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi.

22. Pamusoro pembiru paiva nezvishongo zvakafanana namaruva amahapa. Saizvozvo basa rapambiru rakapera.

23. Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumil pamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatum kuti iripoteredze pakuyera.

24. Pasi pomuromo waro pakanga pane mapfundo akapoteredza, ari gumi pakubhiti, achipoteredza gungwa. Mapfundo aya akaumbwa akanga ari mumitsara miviri, pamwe chete neGungwa.

25. Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.

26. Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhun, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zvivirio.

27. Akaitawo tafura dzaiva namavhiri endarira gumi; imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti manap, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwayo kuri makubhiti matatuq.

28. Tafura idzi dzakanga dzakaitwa seizvi: pakati pembiru dzetafura paiva namagwatidziro mumativi.

29. Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira.

30. Tafura imwe neimwe yaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7