Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvisinei, zvakatorera Soromoni makore gumi namatatu kuti apedze kuvaka muzinda wake.

2. Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zanaa, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanub, namakubhiti makumi matatuc pakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru.

3. Wakanga une denga remisidhari rakanga riri pamusoro pamatanda akanga akagadzikwa pamusoro pembiru yamatanda makumi mana namashanu, gumi namashanu mumutsara mumwe chete.

4. Mawindo awo akanga ari pamusoro, ari matatu, akatarisana.

5. Makonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana; akanga ari nechemberi ari matatu matatu, akatarisana.

6. Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanud iine upamhi hwamakubhiti makumi matatue. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7