Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 4:10-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Bhenihesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).

11. Bheniabhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);

12. Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;

13. Bheni-gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);

14. Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;

15. Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni);

16. Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti;

17. Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari;

18. Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini;

19. Geheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri.

20. Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara.

21. Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye vakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.

22. Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatua zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatub zvoupfu,

23. mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa.

24. Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose.

25. Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 4