Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!”Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!”