Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 22:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Saka mambo weIsraeri akaunganidza pamwe chete, vaprofita, vangangoita varume mazana mana, akavabvunza akati, “Ndoenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti ndoregera?”Vakapindura vakati, “Endai nokuti Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

7. Asi Jehoshafati akabvunza achiti, “Hapana here mumwe muprofita waJehovha pano watingabvunza?”

8. Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha naye, asi ndinomuvenga nokuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa nguva dzose. NdiMikaya, mwanakomana waImura.”Jehoshafati akapindura akati, “Mambo haafaniri kutaura kudaro.”

9. Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavaranda vake akati, “Uyisa Mikaya mwanakomana waImura izvozvi.”

10. Mambo weIsraeri naJehoshafati, mambo weJudha, vakanga vakagara pazvigaro zvavo vakapfeka nguo dzavo dzoumambo vari paburiro, pedyo nesuo reSamaria, vaprofita vose vachiprofita pamberi pavo.

11. Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaAramu kusvikira vaparara!’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 22