Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 22:26-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Ipapo mambo weIsraeri akarayira akati, “Torai Mikaya mumudzosere kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo

27. muti, ‘Zvanzi namambo: Isai munhu uyu mutorongo murege kumupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka norugare.’ ”

28. Mikaya akati, “Kana zvikaitika kuti madzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Ipapo akatizve, “Inzwai mashoko angu imi vanhu mose!”

29. Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakaenda kuRamoti Gireadhi.

30. Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichapinda muhondo iyi ndichinge mumwe munhu, asi iwe pfeka mbatya dzako dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazviita somumwe munhu akaenda kundorwa.

31. Zvino mambo weAramu akanga arayira vatungamiri vake vengoro makumi matatu navaviri achiti, “Musarwa nomunhu upi zvake, muduku kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri.”

32. Vatungamiri vengoro pavakaona Jehoshafati, vakafunga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye mambo weIsraeri.” Naizvozvo vakatendeuka kuti vamurwise, asi Jehoshafati paakaridza mhere,

33. vatungamiri vengoro vakaona kuti akanga asiriye mambo weIsraeri ndokubva varega kumutevera.

34. Asi mumwe murume akapfura museve wake chipfurepfure akabva abaya mambo weIsraeri paisangana zvipenga zvembatya dzake dzehondo. Mambo akati kumuchairi wengoro yake, “Tendeutsa ngoro undibvise pano pari kurwiwa. Ndakuvadzwa.”

35. Hondo yakarwiwa zuva rose, uye mambo akaita zvokutsigirwa mungoro yake akatarisa vaAramu. Ropa rakabva paronda rake rakaerera rikaenda mukati mengoro, uye manheru iwayo akabva afa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 22