Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 20:36-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya.

37. Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume uyu akamurova, akamukuvadza.

38. Ipapo muprofita akaenda akandomirira mambo pamugwagwa. Akazviita somumwe munhu akakwevera pasi mucheka wake womusoro kuti uvharidzire maziso ake.

39. Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarendaa resirivha.’

40. Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.”Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”

41. Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita.

42. Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha, ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’ ”

43. Mambo weIsraeri akaenda kumuzinda wake muSamaria aora mwoyo uye ashatirwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 20