Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 20:24-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Itai izvi: Bvisai madzimambo ose panzvimbo dzavo dzokutonga mugovatsiva navamwe vabati.

25. Munofanirawo kuzviunganidzira hondo yakafanana neyamakarasikirwa nayo, bhiza nebhiza nengoro nengoro, kuitira kuti tikwanise kurwa navaIsraeri mumapani. Ipapo zvirokwazvo tichavakurira.” Akabvumirana navo akaita saizvozvo.

26. Muchirimo chakatevera Bheni-hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwira kuAfeki kundorwa neIsraeri.

27. VaIsraeri vakati vaunganidzwawo nokupiwa zvose zvinodiwa pakurwa hondo, vakafamba vachienda kundosangana navo. VaIsraeri vakadzika musasa wavo vakatarisana navo, vachinge mapoka maduku maviri embudzi, ukuwo vaAramu vakazadza nyika.

28. Munhu waMwari akauya akaudza mambo weIsraeri kuti, “Zvanzi naJehovha, ‘Nokuda kwokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha ndimwari wamakomo, uye kuti haasi mwari wemipata, ndichaisa hondo huru huru iyi mumaoko ako, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

29. Kwamazuva manomwe vakagara pamisasa yavo vakatarisana, uye nezuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya zana rezviuru zvamauto etsoka avaAramu musi mumwe chete.

30. Vakasara vakatizira kuguta reAfeki, uko kwakandowira rusvingo pamusoro pezviuru makumi maviri nezvinomwe zvavo. Uye Bheni-hadhadhi akatizira kuguta akandohwanda muimba yomukati.

31. Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiendei kuna mambo weIsraeri takasungirira masaga muzviuno zvedu, uye takasunga misoro yedu netambo. Zvichida angakuregai muri mupenyu.”

32. Vakasungirira masaga muzviuno zvavo vakasunga misoro yavo netambo, vakabva vaenda kuna mambo weIsraeri vakasvikoti, “Muranda wenyu Bheni-hadhadhi ati, ‘Ndapota, dai mangondirega ndararama.’ ”Mambo akapindura akati, “Achiri mupenyu nazvino? Ihama yangu.”

33. Varume ava vakazviona sechiratidzo chakanaka ndokukurumidza kutevedzera zvaakanga areva. Vakati, “Hongu, hama yenyu Bheni-hadhadhi!”Mambo akati, “Endai munomutora.” Bhenihadhadhi akati achibuda, Ahabhu akamukwidza mungoro yake.

34. Bheni-hadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako. Unogonawo kuisa misika yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.”Ahabhu akati, “Nokuda kwechibvumirano ichi, ndichakusunungura.” Saka akaita chibvumirano naye, akamurega achienda.

35. Mumwe wavanakomana vavaprofita arayirwa naJehovha, akati kushamwari yake, “Ndirove!” asi murume uyu akaramba.

36. Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya.

37. Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume uyu akamurova, akamukuvadza.

38. Ipapo muprofita akaenda akandomirira mambo pamugwagwa. Akazviita somumwe munhu akakwevera pasi mucheka wake womusoro kuti uvharidzire maziso ake.

39. Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarendaa resirivha.’

40. Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.”Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”

41. Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita.

42. Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha, ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 20