Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 20:16-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Vakasimuka masikati, Bheni-hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa.

17. Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda.Zvino Bheni-hadhadhi akanga atuma vashori uye vakamuudza kuti, “Kune mauto ari kubva kuSamaria.”

18. Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”

19. Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo

20. uye mumwe nomumwe wavo akauraya waakarwisana naye. VaAramu vakatiza, vaIsraeri vachivadzingirira. Asi Bheni-hadhadhi mambo weAramu akatiza akatasva bhiza, navamwe vavarwi vake vaiva namabhiza.

21. Mambo weIsraeri akabuda akakunda mabhiza nengoro, akauraya vaAramu vakawanda kwazvo.

22. Mushure maizvozvo, muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa chinzvimbo chako ugoona zvinofanira kuitwa, nokuti muchirimo chiri kutevera mambo weAramu achakurwisa zvakare.”

23. Panguva imwe cheteyo, varanda vamambo weAramu vakati kwaari, “Vamwari vavo ndavamwari vamakomo. Ndicho chikonzero vakatikurira. Asi tikarwa navo mumapani, zvirokwazvo tichavakurira.

24. Itai izvi: Bvisai madzimambo ose panzvimbo dzavo dzokutonga mugovatsiva navamwe vabati.

25. Munofanirawo kuzviunganidzira hondo yakafanana neyamakarasikirwa nayo, bhiza nebhiza nengoro nengoro, kuitira kuti tikwanise kurwa navaIsraeri mumapani. Ipapo zvirokwazvo tichavakurira.” Akabvumirana navo akaita saizvozvo.

26. Muchirimo chakatevera Bheni-hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwira kuAfeki kundorwa neIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 20