Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 19:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.”

5. Ipapo akarara pasi pomuti akabatwa nehope.Pakarepo mutumwa akamubata akati, “Simuka udye.”

6. Akatarisa-tarisa, akaona chingwa chakanga chabikwa pamazimbe omoto pedyo nomusoro wake, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akabva arara zvakare.

7. Mutumwa waJehovha akadzoka kechipiri akamubata akati, “Simuka udye, nokuti rwendo rungakuremera.”

8. Naizvozvo akamuka akadya, akanwa. Zvokudya izvozvo zvakamupa simba zvokuti akafamba kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana kusvikira asvika paHorebhi, gomo raMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 19